2014Kubva musi wa 21 kusvikira musi wa 26 Gunyana vana mazvikokota munyaya dzenhau, nyanzvi dze budiriro yevanhu nenyika, vetsika nemagariro nevanhu vakasiyana siyana vari kuungana muguta guru re New York kuti vazeye nekuita hurukuro pamusoro pematambudziko ari kushusha nyika. Dzimwe dzegungano dziri kuitika dzinosanganisira inonzi Social Good Summit. Social Good Summit ine dingindira rinoti iro ‘Unoda kuti nyika ino inge yakaita sei mugore ra 2030?’ Dingindira iri, rinomirirwa ne #2030 ndere kukuridzira vanhu kuti vataure nekufunga pamusoro pezvingaitwa kuti nyika yedu inge yakanaka mugore ra 2030. Tariro ndeyekuti matambudziko ariko nhasi ange apera panosvika gore ra 2030. Gore ra 2030 igore rinopera zvirongwa zvitsva zvekuvandudza nyika, zvirongwa izvi zvine zita rekuti ‘sustainable development goals’, kureva budiriro inogara iripo kwenguva yakareba.

Semunhu ari kugungano iri ndati ndinyore pamusoro pezvingatarisirwa nevagari vemu Zimbabwe ne Africa maererano nenyaya dzebudiriro. Hurukuro dziri kuno dzinopangidza kuti mumakore anotevera tichange tichiona kushandiswa kwakapetwa kwedzimbozha nhare. Mbozha nhare dzichange dzichishandiswa nenzira itsva dzinosanganisira kushambadza ruzivo pamusoro pezvirwere, kushandiswa mukubatsira vanoshushikana mupfungwa nekuronda mafambiro ezvirongwa zvakasiyana siyana. Tichaona zvakare vemabhizimisi vachiita mushandirapamwe nehurumende, masangano, nema non profit organizations mukuedza kupedza matambudziko akaita semukondombera, kushaya zvekudya, nekushaikwa kwemikana yekuenda kuchikoro.

Vanhu vazhinji vari kutaura pamusoro pekusimudzira vanhukadzi uye vapi vemari vakaita sana Bill and Melinda Gates varikuwanikwa vachitaura zvakanyanya pamusoro pekusimudzira madzimai nevanasikana. Izvi zvoreva kuti tichaona mari zhinji ichienda kuzvirongwa zvekusimudzira padzimai uye tichaona kuwanda kwezvirongwa nemabasa anosimudzira kodzero dzana mai. Tichaona zvakare kushanduka kwenzira dzekuita nadzo basa rebudiriro. Vatauri vakawanda vataura pamusoro pekutsvaga nzira dziri nani dzekuita nadzo basa nekusimudzirwa kwepfungwa nemiono isina kujairika. Saka tichaona kukurudzirwa kwenzira itsva dzekugadzirisa matambudziko enyika ino. Nemhaka yezvandiri kunzwa nekuona ku Social Good Summit ndine vimbo kuti pachasvika gore 2030, nyika ino ichange iri nani kwazvo.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *